Job 38

Jehovha anotaura

1Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati:

2“Ndianiko uyu anodzimaidza zano rangu
namashoko asina zivo?
3Chizvishingisa somurume;
ini ndichakubvunza,
uye iwe uchandipindura.

4“Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika?
Ndiudze, kana uchinzwisisa.
5Ndianiko akatara miganhu yacho?
Zvirokwazvo unozviziva!
Ndianiko akaiyera nerwodzi?
6Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai,
kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona,
7panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete,
uye vanakomana vaMwari vose vachipembera nomufaro?

8“Ndianiko akapfigira gungwa mikova
parakatsemuka richibva muchizvaro,
9pandakaita makore kuti ave nguo yaro,
uye ndikariputira murima guru,
10pandakariisira miganhu yaro,
uye ndikaisa makonhi aro namazariro panzvimbo yawo,
11pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri;
pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’?

12“Wakambopa mutemo kumangwanani here,
kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo,
13kuti abate mipendero yenyika,
uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi?
14Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso;
mamiriro ayo anoita senguo.
15Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo,
uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.

16“Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here,
kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?
17Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here?
Wakamboona masuo omumvuri worufu here?
18Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here?
Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.

19“Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi?
Ko, rima rinogarepi?
20Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here?
Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here?
21Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakanga waberekwa kare!
Wararama kwamakore mazhinji kwazvo.

22“Wakambopinda mudura rechando here,
kana kuona dura rechimvuramabwe,
23izvo zvandakachengetera nguva dzokutambudzika,
mazuva ehondo neokurwa?
24Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi,
kana nzvimbo inoparadzirwa mhepo dzokumabvazuva pamusoro penyika?
25Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji,
nenzira yechimvuramabwe,
26kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu,
gwenga risina munhu mariri,
27kugutsa nyika yakaparadzwa
nokuita kuti imere uswa?
28Ko, mvura ina baba here?
Ndianiko baba vemadonhwe edova?
29Chando chinobva muchizvaro chaaniko?
Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga,
30panooma mvura ikaita sedombo,
pamusoro pokwakadzika pachioma nechando?

31“Ungagona kusunga nyeredzi dzeChimutanhatu here?
Iwe ungasunungura mabote eOrioni here?
32Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here,
kana kutungamirira Akuturo navana vayo?
33Unoziva mitemo yokumatenga here?
Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here?

34“Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here,
uye ugozvifukidza namafashamu emvura?
35Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here?
Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano?
36Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo,
kana kupa kunzwisisa kundangariro?
37Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore?
Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga,
38kana guruva raoma,
uye mavhinga enyika anamatirana?

39“Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here,
uye ungagutsa shumba panzara yadzo here,
40kana dzichitsivama mumapako adzo
kana kuti dzakavandira mudenhere?
41Ndianiko anopa gunguo zvokudya
kana vana varo vachichema kuna Mwari,
uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya?
Copyright information for SnaBDSC